Job 28

1“Mugodhi wesirivha uripo,

nenzvimbo inonatswa goridhe.
2Simbi inocherwa pasi,
uye ndarira inonyautswa ichibva pamhangura.
3Munhu anoita kuti rima ripere;
anotsvakisisa kusvikira kumucheto chaiko,
mhangura iri murima rakasviba kwazvo.
4Anovhura mugodhi kure nokunogara vanhu,
kunzvimbo dzakakanganikwa norutsoka rwomunhu;
kure navanhu anorezuka ndokuzeya uku nokuku.
5Iyo nyika, zvokudya zvichibva mairi,
inoshandurwa nechapasi seinoshandurwa nemoto,
6safire inobva mumatombo ayo,
uye guruva rayo rine upfu hwegoridhe,
7Hakuna gondo rinoziva nzira iyo yakavanzika,
hakuna ziso rorukodzi rakaiona.
8Mhuka dzinozvikudza hadziisi rutsokapo,
uye hakuna shumba inofambapo.
9Ruoko rwomunhu runorova dombo romusarasara
uye ronoisa midzi yamakomo pachena.
10Anochera mugero nomumatombo;
meso ake anoona pfuma yawo yose.
11Anotsvakisisa panotangira nzizi
uye anobudisa zvinhu zvakavanzika pachena.

12“Asi uchenjeri hungawanikwepiko?
Kunzwisisa kunogarepiko?
13Munhu haanzwisisi kukosha kwahwo;
hahungawanikwi munyika yavapenyu.
14Pakadzika panoti, ‘Hahuzi mandiri.’
Gungwa rinoti, ‘Hahuzi pandiri.’
15Hahungatengwi negoridhe yakaisvonaka,
uye mutengo wahwo haungayerwi nesirivha.
16Hahungatengwi negoridhe reOfiri,
namatombo anokosha eonikisi kana esafire.
17Hahungaenzaniswi negoridhe kana kristari,
uye hahungatsinhaniswi nezvishongo zvegoridhe.
18Korari nejasipa hazvingatongorehwi;
mutengo wouchenjeri unokunda maparera.
19Topazi yeEtiopia haingaenzaniswi nahwo;
hahungatongotengwi negoridhe rakaisvonaka.

20“Zvino uchenjeri hunobvepiko?
Kunzwisisa kunogarepiko?
21Kwakavanzirwa meso ezvipenyu zvose,
zvakavigwa kunyange kushiri dzedenga.
22Kuparadza noRufu zvinoti,
‘Runyerekupe rwahwo chete ndirwo rwakasvika munzeve dzedu.’
23Mwari oga ndiye anonzwisisa nzira inoenda kwahuri,
uye ndiye oga anoziva kwahunogara,
24nokuti anoona magumo enyika,
uye anoona zvinhu zvose zviri pasi pamatenga.
25Paakasimbisa simba remhepo
uye akayera mvura,
26paakaita chirevo chemvura
negwara rokutinhira wemheni,
27ipapo akatarira kuuchenjeri akahunzvera;
akahusimbisa uye akahuedza.
28Zvino akati kumunhu,
‘Kutya Ishe, ndihwo uchenjeri,
uye kusiya zvakaipa ndiko kunzwisisa.’ ”
Copyright information for SnaBDSC